Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 25, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 25, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chikamu chekutanga cheZimbabwe Electoral Commission ichipinda muvanhu kuti vanyorese - chinopera nhasi munzvimbo dzakawanda munyika kuitira kuti chikamu chepiri chiparurwe mudzimwe nzvimbo.

Vane vabereki vakaberekerwa kunze kwenyika vonetsekana kuti vachinje zvitupa zvavo kuitira kuti vakwanise kunyoresa kuitira kuti vagozovhota musarudzo dzegore rinouya.

Chirwere che typhoid chovhiringa hupenyu hwevanhu vakawanda kuMatapi muHarare uko kune vanhu vanodarika gumi nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi.

Nhengo dzeTajamuka dzorwadzikana nekushungurudzwa kuri kuitwa nhengo dze MDC kuChitungwiza, izvo dzinoti zviri kuitwa neZanu PF kuChitungwiza zvinofanirwa kumiswa zvachose.

Muchirongwa che Diaspora Forum paLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya iri kumatare yekuti vari kunze kwenyika vakwanise kuvhota vari munyika dzavari kugara.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG