Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 23, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mhirizhonga inoitika kuChitungwiza mukupera kwesvondo zvichitevera kuitwa kafira mberi kwenhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Sangano reWorld Health Organization rinobvisa chiremera charakanga rapa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, chokuva Goodwill Ambassador weAfrica anomirira zvirwere zvisingatapuriranwe.

Vagari vemuGweru vonyunyuta nehurongwa hwebhajeti regore rinouya reguta ravo vachiti kanzuru yavo iri kuda kutambisa mari pazvimwe zvinhu zvisina musoro.

Dambudziko rekushaikwa kwemari roramba richienderera mberi munyika.

Nhasi tine hurukuro zvakare nasachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, pamusoro pezvipingaidzo zviri muchirongwa cheBiometric Voter Registration.

Harare City ne How Mine dzokweshana mumakundano ekupedzisira eChibuku Super Cup final.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mhirizhonga yakaitika kuChitungwiza pamwe nezvinoreva kubviswa kwakaitwa VaMugabe sa W-H-O Goodwill Ambassador for Africa on N-C-Ds

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG