Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 27, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 27, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

America inofaindisa bhanga re C-B-Z mamiriyoni mazana mana emadhora zvichitevera kubatwa kwebhanga iri riine mhosva yekutyora zvirango zvakatemerwa bhanga reZB Bank nehurumende yeAmerica.

Mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanodzokera kuSouth Africa kunorapwa - mutauriri wavo, VaLuke Tamborinyoka, vachiti VaTsvangirai vaenda kunoonekwa navana chiremba vavo sezvagara zvakarongwa – kwete sezviri kutaurwa nemamwe mapepanhau.

Vagari vekuMashonaland West vonyunyuta nezvavanoti zviri kuitwa neZEC zvokushandisa vechidiki veZanu PF kushambadza chikamu chepiri chekunyoresa kuvhota chiri kutanga musi wa 29 Gumiguru.

Nhengo dzeMDC mbiri dzinosungwa kuChegutu apo dzanga dzichitaura nevatsigiri vebato iri pamusoro pechirongwa chebato iri chinonzi Chakachaya – chirongwa chekukurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota.

Vana vechikoro vanoshandisa makombi votadza kuenda kuchikoro nepamusana pekushairwa mari, iyo iri kunetsa kuwana munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa musangano wemadzishe kuBulawayo uko madzishe ari kupihwa zvikakarara zvemotokari dzinoita mamiriyoni matanhatu emadhora.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG