Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 10, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vanhu vakawanda votaura pamusoro pechirongwa chekunyoresa kuvhota icho chaparurwa nhasi mudzimwe nzvimbo sezvo chirongwa ichi chiri kuitwa mumatunhu mashoma panguva imwe chete.

Nyanzvi dzozeya zvinoreva kuvandudzwa kwedare remakurukota uko kwakaitwa nezuro nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pakatariswa nyaya yekuvandudza hupfumi hwenyika.

Studio7 inoita hurukuro naVaPatrick Chinamasa, avo vakabviswa pachigaro chekuva gurukota rezvemari panguva iyo vaipinda mumusangano wemakurukota ezvemari muWashington DC nezuro.

Imwe nhengo yeZanu PF inoti zviri kuitika mubato iri munongedzo wekuti mubato iri mune hutongo hwejechetere kana kuti democracy.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa chirongwa chekunyoresa icho Zimbabwe Electoral Commission yakavimbisa kuti chichange chiri mumatunhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG