Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 01, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 01, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti vanoda kuti mutongo werufu udzoke kuranga vanoponda nevanobata chibharo. VaMugabe vange vachiviga gamba renyika VaDon Muvuti kumarinda eHoroes Acre muHarare.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission Amai Rita Makarau vanotaura neStudio 7 nezvekuchengetwa kuri kuitwa mazita evanhu vanenge vanyorese.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights roshora Ishe Fortune Charumbira nekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika richiti vari kutyora bumbiro remutemo wenyika.

Dare repamusoro kuGweru rinoti meya weguta iri VaHamutendi Kombayi ngavadzorwe pabasa.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kukukwikwidza musarudzo dzameya ku Pennsylvania muAmerica chinoti chiri kutarisira kukunda.

Vanhu vasere vanourayiwa muNew York nemunhu anofungidzirwa kuti anopfurikidza mwero.

Muchirongwa cheLiveTalk-Disaspora Forum na8pm tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuda kunopinda musarudzo dzemunyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG