Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 30, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Chikamu chepiri chekunyoresa kuvhota pachishandiswa Biometric Voter Registration, icho chakatanga nezuro, chiri kuona vanhu vashoma vachienda kunonyoresa kuvhota.

Zanu PF yoita musangano wePolitburo wechimbi chimbi panguva iyo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo mubato iri.

Madzishe obuda nechisungo chekuti achatsigira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, musarudzo yemutungamiri wenyika gore rapera.

Mhirizhonga yoenderera mberi munyika zvichitevera mvongamupopoto yakaitika pahurongwa hwakange warongwa nevari kuda kukwikwidza vakazvimirira mu Mt Pleasant, Muzvare Fadzai Mahere, avo vakazopedzisira vachengetedzwa nemapurisa neMugovera pasina mhosva yavapara.

Vana vechikoro vanoshandisa makombi votadza kuenda kuchikoro nepamusana pekushairwa mari, iyo iri kunetsa kuwana munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa chikamu chepiri cheBiometric Voter Registration chakatanga nezuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG