Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 18, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 18, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reZimbabwe Electoral Commission ropinda muvanhu kuMashonaland West richivakurudzira kuti vaende kunonyoresa kuvhota.

Mamwe masangano anoshanda akazvimirira anoti vanhu vakawanda kumaruwa vari kunyeperwa nevezvematongerwo enyika kuti mishina yeBiometric Voter Registration inoita kuti izive kuti munhu avhotera ani musarudzo dzegore rinouya, anova manyepo nekuti mishina iyi iri kunyoresa mazita chete, uye pakuvhota inenge isisiri kushandiswa.

Mamwe madzishe nemasabhuku ekuMasvingo ochema chema nekupindira kuri kuita vezvematongerwo enyika muchirongwa chekunyoresa kuvhota.

Studio7 inotaura nemurongi wemisangano muMDC-T ku Chitungwiza, VaAmos Delma Kaliati, avo vane mudzimai akakuvadzwa zvichitevera kuputika kwechombo chakakandwa pamba pavo kuChitungwiza kwakare.

Vagari vekuMangwe kuMatabeleland South voita zvirongwa zvekuchengeta pamwe nekukweretesa mari senzira yekuzvisimudzira kusanganisirawo kusimudzirwa kwedunhu ravo

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa chirongwa chekuSouth Africa che Zimbabwe Exemption Permit, icho chine chinangwa chekupa magwaro matsva kuzvizvarwa zveZimbabwe zvakanga zvambopihwa magwaro ekugara nekushanda muSouth Africa pasi pechirongwa ichi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG