Vatsigiri vari mudunhu reMasvingo vevakadzingwa basa semutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti havasi kuvhotera Zanu PF musarudzo dzegore rinouya.
Mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, vanoti maitiro emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekudzinga vanhu pamadiro muZanu PF anogona kukonzera kuti mauto apindire achitora hurumende nechisimba izvo vanoti hazvina kunaka.
Mamwe madzimai otadziswa kunyoresa kuvhota vachinzi vaunze huchapupu hunoratidza kuti vachiri vese nevarume vakavaroora.
Chizvarwa cheZimbabwe, VaSolomon Tembo, vokwikwidza musarudzo yameya weguta re Allentown, kuPennsylvania kuno kuAmerica.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mamiriro akaita zvinhu mumaindasitiri.
Muchirongwa cheThe Connection na 8pm, tiri kutarisa zvinoreva kune vechidiki kudzingwa kwaVaMnangagwa muhurumende.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum