Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vodomwa seMunyarikani weWHO Anomirira Zvirwere Zvisingatapuriranwe muAfrica


VaRobert Mugabe - UNGA 2017
VaRobert Mugabe - UNGA 2017

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadomwa nesangano reWorld Health Organisation, WHO, semunyarikani achange akamirira Africa munyaya dzezvirwere zvisingatapuriranwe, kana kuti non communicable diseases.

VaMugabe, avo vane makore makumi mapfumbamwe nematu, vakadomwa mazuva maviri apfuura pamusangano uri kuitirwa ku Uruguay.

VaMugabe vakaenda kumusangano uyu vachiperekedzwa negurukota nezvekunze, VaWalter Mzembi, gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, pamwe nemamwe makurokota ehurumende.

Vachitaura vari kuUruguay, VaMzembi vaudza Studio7 kuti ichokwadi kuti VaMugabe vadomwa semunyarikani izvo zviri kufadza nyika.

"Ichokwadi VaMugabe vawana ruremekedzo rwekuve, WHO Ambassador for NCD's, Africa," VaMzembi vaudza Studio7.

VaMugabe vachange vari pachinzvimbo ichi kwemakore maviri, uye basa iri haribhadharwe mari.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti dziri kushamiswa nezvaitwa neWHO zvekudoma mutungamiri ari kukundikana kugadzirisa nyaya dzehutano munyika make izvo zviri kupa kuti vakuru vakuru muZimbabwe varapwe kunze kwenyika.

VaMugabe pachavo vanogara vachibuda munyika vachinorapwa kuSingapore.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG