Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 03, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 03, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

African Commission yozeya nyaya iri kupomerwa Amai Grace Mugabe yekudzinga vagari vepapurazi reManzou pamwe nenyaya yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekudzinga basa muchuchusi mukuru wehurumende.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe votarisirwa kuita musangano nevechidiki vebato ravo muBulawayo kunyangwe mubato muine kunetsana kwakanyanya.

Mapurisa anosunga chimwe chizvarwa cheAmerica Martha O’Donovan vachichipomera mhosva yekutuka mutungamiri wenyika padandemutande retwitter.

Masangano eElection Resources Centre, Zimrights nereVendors Initiative for Social and Economic Transformation vobatana kudzidzisa vanotengesera mumugwagwa kukosha kwekunyoresa kuvhota.

Zvikwata zviri kutungamira makundano eCastle Lager Premier Soccer League zvatarisana nemitambo mikukutu apo makundano aya asara nemitambo mitatu chete kuti asvike kwamvura yacheka makumbo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutaura nezvemamiriro ezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika nemusangano waVaMugabe nevechidiki vebato ravo kuBulawayo mangwana

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG