Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 20, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 20, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanotengesa mumigwagwa yemumaguta munyika yose vorasirwa zvinhu zvavo nemapurisa panguva iyo vanhu vari kushupika nekushaya mari yekuraramisa mhuri dzavo.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanotanga kuita basa ravo nekukokera musangano wemubatanaidzwa wemapato ari muMDC Alliance.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanodomwa semunyarikani weW-H-O anomirira Africa munyaya dzezvirwere zvisingatapuriranwe, kana kuti W-H-O Goodwil Ambassador for Africa on NCDs.

Tichanzwa kubva kuna sachigaro weZimbabwe Electoral Commission pamusoro pematambudziko ari kutarisana nevari kuda kunyoresa.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti zviri kuitwa nema debt collectors anoshandiswa nemakanzuru kutevera zvikwereti, hazvisi pamutemo.

Chikwata cheCaps United chinobuda mumakundano eChibuku Super Cup uye kufaindiswa zviuru zviviri zvemadhora zvichitevera mhirizhonga yakaitwa nevatsigiri vechikwata ichi pamutambo wacho neShabani Mine.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvinoreva kudomwa kwaVaMugabe sa W-H-O Goodwill Ambassador for Africa on NCDs

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG