Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Mbudzi 06, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanodzinga basa mutevedzeri wavo, VaEmmerson Mnangagwa, vachivapomera zvakasiyana siyana.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzozeya zvinoitwa kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika abviswe pabasa.

Sangano re Cancer Association of Zimbabwe roshushikana nekudzikira kwehuwandu hwevanhukadzi vakavhenekwa gomarara repazamu mwedzi wapfuura.

Bato reTransform Zimbabwe ropinda kumaruwa richiita minamato pamwe nekukurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota.

Zimbabwe Electoral Commission yotaura zviri kuitika muchirongwa chekunyoresa cheBiometric Voter Registration.

Chizvarwa cheAmerica, Muzvare Martha O’Donovan, vomiswa mudare nemusi weChitatu vachipomerwa mhosva yekuzvidza pa Twitter mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitika muZanu PF pakati paVaMugabe nemutevedzeri wavo VaMnangagwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG