Mapato matatu ari muparamende, anoti Zanu PF, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe neMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, ozeya hurongwa hwekuvandudza mitemo ine chekuita nesarudzo.
Mutongi wedare repamusoro, Justice Priscilla Chigumba, vanotoreswa mhiko sasachigaro mutsva weZimbabwe Electoral Commission, vachivimbisa kuita basa ravo nemazvo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanogadza mutongi wedare repamusoro, Justice Priscilla Chigumba, sasachigaro mutsva weZimbabwe Electoral Commission, vachitora basa rakasiyiwa naAmai Rita Makarau.
Murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika muna Kurume 2015, VaItai Dzamara, varangarirwa nhasi muHarare kuAfrica Unity Square.
IMF yotarisirwa kuenda kuZimbabwe muna Kurume pasi pechirongwa cheArticle 4 chekuona kuti zvii zvingaitwe kugadzirisa hupfumi hwenyika.
Mumwe wevatungamiri ve kambani ye Chjaa Enterprise, muzvare Celia Rukato, vanoti vari kufara nekupfekwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kwakaitwa scarf yakagadzirwa nekambani yavo kumusangano weDavos.
Gurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa nhasi rayambira veruzhinji kuti vaite hutsanana kuitira kuti vasabatire chirwere checholera icho chakauraya vanhu vana muChegutu.
Mutungamiri weLiberia amai Ellen Johnston-Sirleaf nezuro vakashanyira muzinda weAfrican Union muWashington apo vakabatana nevaimbove mutungamiri weMalawi amai Joyce Banda pamusangano wekuzeya nemadzimai rwendo rwavakafamba kusvika parizvino. Mumwe wevechidiki otaura pfungwa dzake nezve musangano uyu
Mukokeri muparamende weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaInnocent Gonese, vanoudza mutauriri weNational Assembly kuti kuiswa kwemauto mumigwagwa kuri kunze kwemutemo
Hama dzevanhu vakafa mutsaona yakaitika kuTsholotsho dzinobatsirwa nemari inoita chiuru chemadhora pamunhu kuitira kuti vafi ava varadzikwe zvakanaka.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotoresa mhiko makurukota achange achitungamira mapazi ehurumende akasiyana siyana.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica izvo munguva yapfura zvaigaro ratidzira zviri pamuzinda weZimbabwe uri muWashington nezuro manheru zvakabatana nevashandi vepamuzinda uyu mukuita mabiko ekupembera kubva pachigaro kwaVaRobert Mugabe kuchipinda VaMnangangwa. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica izvo munguva yapfura zvaigaro ratidzira zviri pamuzinda weZimbabwe uri muWashington nezuro manheru zvakabatana nevashandi vepamuzinda uyu mukuita mabiko ekupembera kubva pachigaro kwaVaRobert Mugabe kuchipinda VaMnangangwa. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinobva kunzvimbo dzakasiyana siyana zvinoti zvakafadzwa nehurukuro dzakakokerwa neVOA nemusi weChina pamuzinda weVoice Of America. Hurukuro idzi dzainzi Gwara rekuenda naro mberi renyika, uye dzakange dzine nyanzvi dzayi zeya remangwana renyika.#zimwayforward
Vanhu vakawanda vanotambira nenzira dzakasiyana siyana kudomwa kwedare remakurukota kwakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Dare redzimhosva rinowana Pastor Evan Mawarire vasina mhosva yavakapara pakuratidzira kwavakatungamirira gore rapera.
Mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vanozivisa kuti bato reZanu PF radzinga muparamende, nhengo dzaro shanu, dzinosanganisira vaimbove makurukota ehurumende, VaIgnatius Chombo, VaSaviour Kasukuwere naProfessor Jonathan Moyo.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo harina hurongwa hwekupinda muhurumende yemubatanidzwa vachiti chinangwa chavo ndechekupinda musarudzo dzinenge dzakachena gore rinouya.
Rodhai zvimwe