Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 6, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 6, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukokeri muparamende weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaInnocent Gonese, vanoudza mutauriri weNational Assembly kuti kuiswa kwemauto mumigwagwa kuri kunze kwemutemo

Vachuchusi vehurumende vari kupikisa kuti VaIgnatius Chombo naVaKudzanai Chipanga vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso vanoudzwa nedare redzimhosva kuti vasvitse kudare iri nhasi asati apfuura zvikonzero zvavanazvo

Mhuri yekwaStamps inoramba kuti vaimbove gurukota rezvehutano, VaTimothy Stamps, vavigwe ku Heroe’s Acre

Chirongwa chekunyoresa kuti vanhu vazovhota gore rinouya choita vanhu vashoma vanyoresa pane vaitarisirwa kunge vakanyoresa

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuronga kuenda kumusha kunotanga mabhizinesi

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG