Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 31, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 31, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanogadza mutongi wedare repamusoro, Justice Priscilla Chigumba, sasachigaro mutsva weZimbabwe Electoral Commission, vachitora basa rakasiyiwa naAmai Rita Makarau.

Vagari vekuHopley Farm vofara zvikuru sezvo vava kukwanisa kunyoresa kuvhota izvo vanga vachitadza nepamusana pemabatirwo avanga vachiitwa nehofisi yaVaTobaiwa Mudede.

Vanhu vakawanda votaura pamusoro pemashoko akataurwa nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, pahurongwa hweState of the Union Address nezuro madeko

Kanzuru yemuBulawayo yovandudza mashandiro ayo kuitira kuti iitire vagari mabasa avanotarisira kukanzuru yavo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa hupenyu hwezvizvarwa zveZimbabwe zvakawana mukana wekugara kuAmerica kuburikidza nechirongwa che Diversity Visa Program, icho chinozivikanawa zvakare nerekuti Green Card Lottery.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG