Vanhu vakawanda vanotambira nenzira dzakasiyana siyana kudomwa kwedare remakurukota kwakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema wowandudzwa kuitira kuti ukwezve zvine mutsindo vanokwanisa kusima mari dzavo munyika.
Gurukota idzva rezvekuburitswa kwemashoko, VaChris Mutsvangwa, vanoti basa ravo guru ndere kubvisa mitemo inombonyikidza vatori venhau.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa dare remakurukota rakadomwa naVaMnangagwa.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.
Facebook Forum