Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita 4, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita 4, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotoresa mhiko makurukota achange achitungamira mapazi ehurumende akasiyana siyana.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya dare remakurukota aVaMnangagwa iro rizere nevanhu vagara vari muhurumende kwemakore akawanda, izvo dzinoti hapana chitsva chekutarisira kumakurukota aya.

Vakawanda munyika vanoti vanobvumirana nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa kuti vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanira kuregererwa pamhosva dzavakapara panguva yehutongo hwavo. As vamwe vanoti pane dzimwe mhosva dzavakapara dzisingakodzeri kuti varegererwe.

Vanotengesa zvinhu mumigwagwa vanoti hapana mutsauko pakati pehurumende yaVaMnangagwa nehurumende yaiva yaVaRobert Mugabe, zvichitevera kudzingwa nemasoja nemapurisa kwavari kuitwa munzvimbo dzavanotengesera.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa dare remakurukota ratoreswa mhiko nemutungamiri wenyika nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG