Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 28, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Mbudzi 28, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vanozivisa kuti bato reZanu PF radzinga muparamende, nhengo dzaro shanu, dzinosanganisira vaimbove makurukota ehurumende, VaIgnatius Chombo, VaSaviour Kasukuwere naProfessor Jonathan Moyo.

Father Fidelis Mukonori vanoti pavaiyananisa gakava raivepo pakati paVaMugabe nemauto, hapana pakataurwa nezvenyaya yepenjeni ichapihwa VaMugabe nehurumende.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vari kupa mwedzi mitatu yekuregerera vose vakaburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo kuti vadzosere mari iyi munyika.

Gweta riri kumirira vaive gurukota rezvemari, VaIgnatius Chombo, Professor Lovemore Madhuku, vogadzira magwaro ekusvitsva kudare repamusoro vachikumbira kuti VaChombo naVa Kudzai Chipanga vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo izvo vakarambirwa nedare ramejasitireti nezuro.

Muchirongwa cheLiveTalk - The Connection na 8pm, tiri kutarisa tarisiro yevechidiki kuhurumende yaVaMnangagwa

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG