Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 01, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi 01, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutongi wedare repamusoro, Justice Priscilla Chigumba, vanotoreswa mhiko sasachigaro mutsva weZimbabwe Electoral Commission, vachivimbisa kuita basa ravo nemazvo.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Engineer Elias Mudzuri, vanoshora zvikuru kanzuru yeHarare, mapurisa ayo, mapurisa eZimbabwe Republic Police, pamwe nemasoja, vachiti mabatiro vari kuita vanotengesa zvinhu mumigwagwa haana kunaka.

Nhengo dzeZanu PF dzoshorwa zvikuru zvichitevera mhirizhonga yadzakaita kumutungamiri weNational People’s Party, Amai Joice Mujuru.

Kanzuru yemuBulawayo yovandudza mashandiro ayo kuitira kuti iitire vagari mabasa avanotarisira kukanzuru yavo.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable paLiveTalk na8pm, tiri kutarisa kusimudzirwa kwevanhukadzi muzvinzimbo zvepamusoro zvichitevera kutoreswa mhiko kwaAmai Priscilla Chigumba sasachigaro weZimbabwe Electoral Commission

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG