Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 29, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 29, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare redzimhosva rinowana Pastor Evan Mawarire vasina mhosva yavakapara pakuratidzira kwavakatungamirira gore rapera.

Dare redzimhosva rinoti zvizvarwa zvine vabereki vanonzi vakaberekerwa kunze kwenyika, kana kuti aliens, vane kodzero dzekunyoresa kuvhota semunhu wese wemuZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti dzinotambira hurongwa hwemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, hwekuedza kugadzirisa mamiriro akaita hupfumi hwenyika.

South Africa inoti chirongwa che Zimbabwe Exemption Permits chawedzerwa nguva kuitira kuti vanhu vaendese magwaro kusvika musi wa Ndira 31, 2018.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zviri kuitika muZimbabwe uye zvazvinoreva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Tinokukokayi kuti muve pazvirongwa zvedu zvepa Studio7, zvitsva zvatakaparura. Zvirongwa izvi zvinotanga nenguva dzinoti 6am, 2pm ne chirongwa chedu chema zuva ese cha7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Tinokukokayi zvakare pahurukuro dziri kukokerwa neVOA mangwana nemusi weChina, dzichange dzichinzi - Gwara reKuenda Naro Mberi dzichange dzichiitwa ne nguva dzinoti 4:30pm - 6:30pm paVOA. Hurukuro idzi dzichange dzichi tepfenyurwa pamasaisai anoti 909 am,4930,15580,6080 Kiloherts Short Wave. Tichange tiritepfenyura LIVE paFacebook peji redu re VOA Shona.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG