Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 29, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 29, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

IMF yotarisirwa kuenda kuZimbabwe muna Kurume pasi pechirongwa cheArticle 4 chekuona kuti zvii zvingaitwe kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kuEthiopia, kumusangano weAfrican Union Summit votarisirwa kudzoka kumusha nhasi panopera musangano uyu.

Mubato reMDC moita kunetsana kukuru nenyaya yekuti ringabatane sei nemamwe mapato mumubatanidzwa unonzi MDC Alliance.

Bhanga reSteward Bank roparura muchina uchabatsira vemabhizimi madiki unonzi Kwenga.

Munhau dzemitambo, chikwata cheFC Platinum chosimbaradza gadziriro yemakundano eCAF Champions League.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutaura pamusoro pekunetsana kuri mubato reMDC nenyaya yemubatanidzwa weMDC Alliance.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG