Accessibility links

Breaking News

Sikhavha Yakapfekwa naVaMnangagwa kuDavos Yopa Pundutso kuMugadziri Wayo


Mutungamiri venyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri venyika VaEmmerson Mnangagwa
Hurukuro naMuzvare Celia Rukato
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe wevatungamiri vekambani yeChjaa Enterprise, Muzvare Celia Rukato, vanoti vari kufara nekupfekwa kwakaitwa scarf yakagadzirwa nekambani yavo, nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, apo vange vari kumusangano weDavos.

Muzvare Rukato vanoti vari kuwana bhizinesi rakawanda kubva kune zvizvarwa zveZimbabwe.

VaMnangangwa vakapfeka scarf iyi pose pavaibuda vari kuDavos izvo zvakaita kuti vanhu vakawanda vataure zvakasiyana siyana pamusoro payo zvikuru pamadandemutande.

Vamwe vaiti VaMnangagwa vakaratidza rudo rwavo rwenyika uye vakaratidza rutsigiro rwavo vemabhizinesi madiki. Asi vamwe vaishora vachiti zvanga zvirinani dayi vakozopfeka scarf iyi pane imwe nguva sezvo pasi rose range rakatarisa zvaibuda kubva kumusangano uyu.

Muzvare Rukato vanoti kambani yavo inoita mamwe mabasa ekugadzira machira anocherechedza nyika yeZimbabwe.

"Takafara chaizvo kuwona VaMnangagwa vakapfeka scarf yedu sezvo izvi zvaita kuti bhizinesi redu ribudirire. Parizvino vanhu vazhinji varikufona vachida kutenga mascarf edu," Muzvare Rukato vaudza Studio 7.

Celia Rukato
Celia Rukato

Muzvare Rukato vanoti shuviro yavo ndeyekuti vagadzirise scarf yavo zvichitevera kurudziro yavari kuwana kubva kune veruzhinji.

Muzvare Rukato vanoti pavakaendese zvinhu zvavanogadzira kumahofisi anowona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, havana kuziva kuti zvichabudirira kuti mutungamiri wenyika apfeke scarf yavo.

Muzvare Rukato vanoti chidzidzo chavakawana pane zvakaitika ndezvekuti vanhu vanofanirwa kushinga kunyange zvinhu zvikawoma nekuti remangwana harizivikanwe kuti rinenge rakamira seyi.

Muzvare Rukato vanoti kushinga kwavo nekuzvininipisa kwave kubhadhara pari zvino kuburikidza nevanhu vari kuuya kuzotenga zvavanogadzira.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG