Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 5, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 5, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hama dzevanhu vakafa mutsaona yakaitika kuTsholotsho dzinobatsirwa nemari inoita chiuru chemadhora pamunhu kuitira kuti vafi ava varadzikwe zvakanaka.

Nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaSettlement Chikwinya, vanosungisa masoja anonzi ainetsa pamwe nekutyora kodzero dzevanhuwo zvavo mudunhu reMidlands

Vechidiki votaura pamusoro pedare remakurukota aVaEmmerson Mnangagwa, iro vanoti harina vechidiki.

Vanotengesa zvinhu mumigwagwa muHarare vanodzingwa nemapurisa nemasoja pasi pechirongwa che Operation Restore Order icho chinonzi chiri kuitika mumaguta ose ari munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk - Youth Connection na 8pm, tiri kutarisa dare remakurukota ratoreswa mhiko nemutungamiri wenyika nezuro iro vechidiki vanoti havana anovamirira vechidiki mudare iri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG