Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 30, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika muna Kurume 2015, VaItai Dzamara, varangarirwa nhasi muHarare kuAfrica Unity Square.

Mapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira ochema chema zvikuru nekwaanoti kutyisidzirwa kuri kuitwa vanhu zvikuru kumaruwa, uko vanhu vari kunzi neZanu PF varatidze magwaro avo anoratidza kuti vanyoresa kuvhota, kana kuti voter registration slips.

Sangano reEuropean Union rinopa mari inodarika mamiriyoni matatu emadhora iyo ichashandiswa mukusimudzira mabasa ekuchengetedzwa pamwe nekuremekedzwa kwemitemo munyika.

Musangano wekukwezva vemabhizinesi vekunze kwenyika worongwa paine chinangwa chekuratidza vekunze mikana iri muZimbabwe yekuita mabhizinesi.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, votarisirwa kutaura nhasi manheru pachirongwa che State of the Nation, apo vari kujekesa hurongwa hwavo pavanhu vekunze vanoda kugara muAmerica, pamwe nehurongwa hwevana vadiki vakapinda nevabereki vavo muAmerica zvisiri pamutemo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutaura pamusoro pemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika muna 2015, VaItai Dzamara.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG