Mapato matatu ari muparamende, anoti Zanu PF, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe neMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, ozeya hurongwa hwekuvandudza mitemo ine chekuita nesarudzo.
Nyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu voisa maonero avo pakomisheni yakagadzwa nezuro kuti ioongorore kutengeswa kweminda pamwe nenzvimbo dziri mumadhorobha kubva muna 2005
Hurumende inodzokera kumitemo yayo yekare yekupa varimi vachena mvumo yekushandisa minda yehurumende kwemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, izvo zvakange zvabviswa nehurumende yaive pasi paVaRobert Mugabe.
Vagari vemuHarare vochema chema nekuvharwa kuchaitwa mvura mudzimwe nzvimbo mukupera kwesvondo kanzuru ichiti iri kuita izvi kuitira kuti michina inochenesa mvura igadziriswe.
Mhirizhonga yoitika kuMasvingo uko vanhu vanonzi vari kurohwa nemasoja.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mhirizhonga yezvematongerwo enyika yatanga munyika zvichitevera zvakaitika nezuro kuGlen Norah A kuna Amai Joice Mujuru nevamwe vavo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Facebook Forum