ZEC inowedzera nzvimbo dzichavhoterwa uye inoramba mashoko ekuti yakapa Zanu PF manhamba evanhu ayo ari kushandiswa nebato iri kufonera vanhu richitsvaga kuvhoterwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura bhanga idzva revechidiki rinonzi Empower Bank vachiti vechidiki vanofanirwa kuvimbika kuitira kuti vabudirire mukusimudzira hupenyu hwavo munyaya dzehupfumi.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvichangopedza zvidzidzo zvepamusoro zvinoti Muzvare Tariro Kandemiri naVaSimbarashe Chakanyuka, zvinoti zviri kufara nekupedza zvidzidzo zvazvo uye nekuwana mabasa muAmerica. (Marvellous Mhlanga-Nyahuye).
Muzvina fundo Tendai Muparutsa, avo vanodzidzisa pachikoro chepamusoro cheWilliams College kuBoston, vanoti vabereki vanofanirwa kuregedza vana vachiita zvidzidzo zvinoenderana navo kwete kuvamanikidza kuita zvavasingafariri. (Marvellous Mhlanga Nyahuye)
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vave kukwidza gakava ravainaro nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuSADC neAfrican Union vachiti sarudzo hadzisi kuzoitwa musi wa30 Chikunguru kana nhuna dzavainadzo pamafambisirwo esarudzo dzisina kugadziriswa izvozvi
Mukuru wemapurisa munyika, VaGodwin Matanga, vanoita musangano nevatori venhau muBulawayo vachiti havasi kuzotaura nezvebhambu rakaputika mwedzi wapera kuWhite City stadium muBulawayo makare.
Varume vaviri vakasungwa kuBulawayo vanoti VaJohn Zulu naVaDouglas Musekiwa avo vari kupomerwa mhosva yekukanda girinedhi kuWhite City Stadium vachinzi vaida kuuraya mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vakuru voburitswa muhusungwa vasina mhosva yavapomerwa.
Kudhindzwa kwemagwaro ekuvhotesa kwatanga nhasi muHarare ZEC ichiti izvi zvinogona kutora masvondo matatu.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoenda kuTanzania uko vanoita hurukuro nemutungamiri wenyika iyi, VaJohn Magufuli pamwe nekushanyira nzvimbo yavakadzidzira chiuto munguva yehondo yeChimurenga
MDC – T inorangarira kuurayiwa pamwe nekushungurudzwa kwakaitwa nhengo dzayo mugadziriro yesarudzo ye presidential run off yakaitwa musi waChikumi 27, 2008, mushure mekunge vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapinda musarudzo iyi vega.
Mapato ezvematongerwo enyika ari kukwikwidza musarudzo gore rino anoungana muHarare achinyorerana chibvumirano chekushanda murunyararo munguva yekutsvaga rutsigiro.
Vanhu vaviri vanofa zvichitevera kupitika kwakaita bhambu muWhite City stadium neMugovera zvichitevera kupera kwemusangano wekutsvaga rutsigiro wakaitwa nemutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Vatsigiri vechikwata ichi vanoshanda pa Voice Of America vachipembera pange pachitamba chikwata chavo. Nyaya ina Marvellous Mhlanga-Nyahuye.
Chikwata cheNigeria chafadza zvizvarwa zveAfrica nezvenyika yacho pasi rose mushure mekukunda Iceland 2-0 pamutambo weGroup D watambirwa kuRussia. (Marvellous Mhlanga-Nyahuye).
Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nevatsigiri vavo kuGwanda, Matabeleland North, vachitsvaga rutsigiro, uko vanonzi vatanga vapa varimi matsiru anodarika chiuru nemazana matanhatu.
Zvizvarwa zveBrazil nevamwe vanoti vari kufarira kutamba kwaita chikwata cheBrazil icho chakunda Costa Rica 2-0 kumutambo wenhabvu weWorld Cup kuRussia nhasi. Nyaya ina Marvellous Mhlanga -Nyahuye we Studio7.
Sangano reAmalgmated Rural Teachers Union of Zimbabwe roenda kumatare richikumbira kuti matare akomekedze mapato ezvematongerwo enyika kuti asashandise zvikoro, varairidzi pamwe nevana vechikoro paanenge achiita misangano yekutsvaga rutsigiro.
Zimbabwe inobatana nepasi rose mukucherechedza zuva revapoteri kana kuti World Refugees Day.
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Zec, Amai Priscilla Chigumba, vanoti komisheni yavo ichaburitsa gwaro rine mazita evanhu vakanyoresa kuvhota richashandiswa gore rino mushure mekunge komisheni yaburitsa mazita evachakwkikwidza muGovernment Gazette.
Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC iri kuenderera mberi ichinetsana nemapato anopikisa nemabatiro ayo esarudzo kunyanya panyaya yairi kupomerwa yekusabuda pachena nezvegwaro revavhoti iro vanopikisa vanoti vari kutatarika kuriwana asi muzinda weBritain muZimbabwe uchiti wange wapihwa gwaro racho kare.
Rodhai zvimwe