Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 05, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 05, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura bhanga idzva revechidiki rinonzi Empower Bank vachiti vechidiki vanofanirwa kuvimbika kuitira kuti vabudirire mukusimudzira hupenyu hwavo munyaya dzehupfumi. Bhanga iri riri kuvhurwa riine mari inosvika madhora ekuAmerica mamiriyoni gumi nemaviri nechidimbu chete vechidiki vachiti mari iyi ishoma zvikuru zvichienzaniswa nehuwandu hwavo munyika uhwo vanoti hunodarika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Mutungamiri weAlliance for the People’s Agenda, Doctor Nkosana Moyo, vanoti vakazvipira kushandira veruzhinji semutungamiri wenyika ane hunyanzvi munyaya dzekuvandudza hupfumi hwenyika, uhwo vanoti hwaita mamvemve.

Magweta eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa otashurana nemagweta eMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe panyaya yemari yakapihwa MDC nehurumende yakasvikira mumaoko echikwata chaVaChamisa, uye midziyo yebato iri.

Mapato ezvematongerwo enyika opa maonero akasiyana siyana pane zviri kuitika munyaya dzegadziriro dzesarudzo dziri kuitwa musi wa Chikunguru 30

Studio7 inoenda kumaruwa uko inonzwa zviri kuitika muhupenyu hwevanhu panguva iyo munhu wese ari mugadziriro yesarudzo, vamwe vachimanikidzwa kupinda mumisangano isiri yemapato avo.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munguva ino yekutsvaga rutsigiro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG