Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 19, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 19, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Zec, Amai Priscilla Chigumba, vanoti komisheni yavo ichaburitsa gwaro rine mazita evanhu vakanyoresa kuvhota richashandiswa gore rino mushure mekunge komisheni yaburitsa mazita evachakwkikwidza muGovernment Gazette.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti zviri pachena kuti Zec iri kukundikana kuita basa rayo nemazvo zvichitevera kuchema chema kuri kuita vanhu pamusoro pegwaro rine mazita evanhu vakanyoresa kuvhota

Vagari vokurudzirwa kukoshesa sarudzo dzemakanzura sezvo makanzura achishandawo zvakasimba mukusimudzura budiriro yenyika.

Zimbabwe yobatana nepasi rose mangwana mukucherechedza zuva revapoteri pasi rose kana kuti World Refugee Day

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, nhasi tiri kutarisa zviri kuitika muhurongwa hwesarudzo takanangana nevechidiki.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG