Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 27, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 27, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

MDC – T inorangarira kuurayiwa pamwe nekushungurudzwa kwakaitwa nhengo dzayo mugadziriro yesarudzo ye presidential run off yakaitwa musi waChikumi 27, 2008, mushure mekunge vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapinda musarudzo iyi vega zvichitevera kubuda kwakaita vaive mutungamiri weMDC, muchakabvu Morgan Tsvangirai, vachiti havangapinde musarudzo ine ropa.

Komiti yedare reseneti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica inotambira kuvandudzwa kwemutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act of 2001, uyo unobvisa zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende, kana vachinge varatidza kuremekedza kodzero dzevanhu, kuita sarudzo dzakachena nezvimwe zvinoita kuti hupenyu hwezvizvarwa zvemuZimbabwe, huve nyore.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotaura nenhepfenyuro yeBBC vachiti kuputika kwebhambu kuWhite City stadium neMugovera, kwakaitwa nechikwata chagara chichinetsana navo muZanu PF, che Generation 40.

Studio7 inotarisa nhoroondo yemutungamiri weBuild Zimbabwe Alliance, VaNoah Manyika, semumwe wevatungamiri vemapato vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

Muchirongwa chatinotarisa zviri kuitika kunze kweZimbabwe zvinobata zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa musangano uchange uchizeya remangwana enyika uchaitirwa mudunhu reKansas, uyo uri kutanga nemusi weChishanu uchipera musi we Svondo, Chikunguru 1, 2018.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzematongerwo enyika muZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG