Zimbabwe inobatana nepasi rose mukucherechedza zuva revapoteri kana kuti World Refugees Day
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vonyunyutirwa nevakawanda vari mumubatanidzwa uyu vachinzi vakatyora zvibvumirano zvavakanga vawirirana panyaya yekugovana kwevanhu vachakwikwidza musarudzo
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura zvakare mugodhi weEureka Mine kuMashonaland Central.
Madzimambo oromba achizvidza mutongo wematare edzimhosva unovarambidza kupindira mune zvematongerwo enyika.
Gakava pamusoro pegwaro revavhoti, kana kuti voters roll, rotsviriridza pakati peZimbabwe Electoral Commission nemapato anopikisa, zvikuru mubatanidzwa weMDC Alliance.
Mutungamiri weCaps United, VaFarai Jere, vanodomwa pasina avakwikwidza kuti vave sachigaro mutsva weCastle Lager Premier Soccer League, vachitora basa rakasiiwa naVaKenny Mubaiwa.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, nhasi tiri kutarisa zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri munyika dzakasiyana siyana pazuva iro pasi rose rinocherechedza World Refugees Day.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum