Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 21, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 21, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reAmalgmated Rural Teachers Union of Zimbabwe roenda kumatare richikumbira kuti matare akomekedze mapato ezvematongerwo enyika kuti asashandise zvikoro, varairidzi pamwe nevana vechikoro paanenge achiita misangano yekutsvaga rutsigiro.

Zimbabwe Electoral Commission yoramba ichinetsana nemapato anopikisa pamusoro pegwaro rine mazita evanhu vachavhota musarudzo, asi Zanu PF achiti Zec iri kugona kuita basa rayo nemazvo.

Masangano anoshanda akazvimirira ozeya mutemo unobatsira mapato ematongerwo enyika nemari, we Political Parties Finance Act, mapato anopikisa achiti mutemo uyu unofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti ubatsire vese vanenge vanyoresa kuNomination Court kuti vakwikwidza musarudzo

Ongororo yakaitwa nesangano reMagamba Network richishanda neCitizens Manifesto, inoti veruzhinji munyika havadi kuve pasi pehutongi hwechiuto.

Zvizvatwa zvekuSouth Africa zvinosungwa zvichitevera kupisa kwazvakaita pamwe nekutadzisa kufamba magonyeti anotyairwa nevekunze kwenyika iyi, avo vanosanganisira zvizvarwa zvekuZimbabwe

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, tiri kutarisa vanhukadzi vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG