Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 22, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 22, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nevatsigiri vavo kuGwanda, Matabeleland North, vachitsvaga rutsigiro, uko vanonzi vatanga vapa varimi matsiru anodarika chiuru nemazana matanhatu. Mapato anopikisa anoti uyu muitiro weZanu PF kushandisa zvinhu zvehurumende mukutenga mavhoti musarudzo dzichaitwa.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoita musangano wekutsvaga rutsigiro mudunhu reMidlands

Zimbabwe Electoral Commission inozivisa mazita emakambani achadhinda mapepa ekuvhotera, asi musangano uyu wavhiringidzwa nerimwe bato riri kunyunyuta nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu nekomisheni inoona nezvesarudzo iyi.

Vari kukwikwidza vakazvimirira kuMasvingo Urban vanoti vane mukana wekukunda mapato makuru vachiti kusawirirana kuri mumapato aya kuchapa kuti akundikane kubudirira musarudzo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa kutsvaga rutsigiro kuri kuitwa nemapato ezvematongerwo enyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG