Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Chikunguru 09, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

ZEC inowedzera nzvimbo dzichavhoterwa uye inoramba mashoko ekuti yakapa Zanu PF manhamba evanhu ayo ari kushandiswa nebato iri kufonera vanhu richitsvaga kuvhoterwa.

Vechidiki veMDC Alliance nenhengo iri kuvamirira pasarudzo yeparamende mudunhu reMasvingo Urban vovimbisa kudzosa chigaro change chambotorwa neZanu PF muna 2013 icho chaigara chichitorwa neMDC kubva zvayakatanga kukwikwidza sarudzo mugore ra2000.

Apo vakawanda vari kuisa maziso avo pagwaro revavhoti kana kuti voters roll, vamwe vari kuchemachemawo kuti ZEC haisi kujekesa mafambisirwo emavhoti evari kunze kwenyika kana kuti postal voting.

Hapana shanduko iripo pamamiriro eCastle Lager Premier Soccer League zvichitevera kutanga kwemitambo mushure mekuzorora kwemasvondo maviri.

Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe rinonyorera ZEC tsamba richida tsananguro pamusoro pekuti varairidzi vachange vachibatsira musarudzo vachavhotera kupi. Sangano iri riri kuda kuti varairidzi ava vabvumidzwe kuvhota vari munzvimbo dzavanenge vachishandira.

Muchikamu chedu chehutano, nhasi tiri kutarisa nezvechando chiri kurova munyika yose, icho chinonzi chakwidza hamba mumuti.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mashoko ekuti ZEC ichawedzera nzvimbo dzekuvhotera pamwewo nenyaya yevachavhota vari kunze kwenyika kana kuti postal voting.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG