Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 03, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 03, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru wemapurisa munyika, VaGodwin Matanga, vanoita musangano nevatori venhau muBulawayo vachiti havasi kuzotaura nezvebhambu rakaputika mwedzi wapera kuWhite City stadium muBulawayo makare.

Zimbabwe Electoral Commission yoburana nevanhu vakanyoresa kukwikwidza asi Zec ndokutadza kuburitsa mazita avo mugwaro rine mazita evanhu vose vachakwikwidza

Vagari vekuMasvingo vopedza mazuva akawanda vasina magetsi mudzimba dzavo.

Mhirizhonga yezvematongerwo enyika yoitika munzvimbo dzakasiyana siyana vanhu vachishungurudzwa

Nyanzvi dzezve matongerwo enyika dzotaura maonero adzo pahutungamiri pamwe nemukana une mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, musarudzo yemutungamiri wenyika.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm, tiri kutarisa zviri mhirizhonga iri kuitika muhurongwa hwesarudzo

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG