Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 04, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 04, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 04, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vave kukwidza gakava ravainaro nekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuSADC neAfrican Union vachiti sarudzo hadzisi kuzoitwa musi wa30 Chikunguru kana nhuna dzavainadzo pamafambisirwo esarudzo dzisina kugadziriswa izvozvi.

Mutauriri wemauto munyika anoti mauto haafanirwe kupindira mune zvematongerwo enyika, uye anenge aona mauto achiita izvi, anofanirwa kuzivisa mapurisa pamwe nemuzinda wemauto kuitira kuti mauto aya asungwe. Asi nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti mashoko aya aifanirwa kunge ataurwa nevakuru vakuru muchiuto.

Mapurisa anonzi ari kuda kubvunzurudza vaimbove gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, pamwe nemudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, pamusoro penyaya dzisiri kusaburitswa pachena kuti ndedzeyi, kunyange hazvo vamwe vanoti vane ruzivo vachiti dzine chekuita nebhambu rakaputika kuWhite City stadium muBulawayo musi wa 23 Chikumi.

Nyaya yekurwisa huori yotsviriridza kumusangano weAfrican Union panguva iyo vakawanda vari kuchema nehuori huri kuitwa nedzihurumende dzemuAfrica.

Nyanzvi dzozeya chinangwa cherwendo rwemauto emuZimbabwe kuUganda uko mauto aya asangana nemutungamiri wenyika iyi, VaYoweri Museveni

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitika munyaya yesarudzo pamwe nekunetsana kuri kuita Zec nemapato anopikisa

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG