Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 18, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 18, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC iri kuenderera mberi ichinetsana nemapato anopikisa nemabatiro ayo esarudzo kunyanya panyaya yairi kupomerwa yekusabuda pachena nezvegwaro revavhoti iro vanopikisa vanoti vari kutatarika kuriwana asi muzinda weBritain muZimbabwe uchiti wange wapihwa gwaro racho kare.

Mumiriri weBritain muZimbabwe Amai Catriona Laing vanoti sarudzo dzegore rino dzichaongororwa kudarika dzimwe dzose dzakamboitwa uye dzakakosha pakuumba hukama pakati peZimbabwe nedzimwe nyika.

MDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe inoti ine vanhu zana negumi nevaviri vachakwikwidza musarudzo dzedare reparamende.

Ishe Charumbira vokwidzwazve kumatare nenyaya yekuzvidza mutongo wedare pakuti vasapindire nyaya dzezvematongerwo enyika.

Zimstat inoti mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation rate uri kuramba uri pa2.71 percent mwedzi uno.

Tichakupai zviri kubuda kubva kumitambo yeWorld Cup uye mitambo yeCastle Premier Soccer League.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, nhasi tiri kutarisa nyaya yegwaro revavhoti ropa kuti paite mutauro pakati peZEC nevanopikisa uyer masangano anoongorora sarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG