Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 25, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vaviri vanofa zvichitevera kupitika kwakaita bhambu muWhite City stadium neMugovera zvichitevera kupera kwemusangano wekutsvaga rutsigiro wakaitwa nemutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Masangano enhau okurudzira hurumende kuti ione kuti vatori venhau vachengetedzwa zvichitevera kukuvara muBulawayo neMugovera kwevatori venhau vatatu vanoshandira ZBC.

Zimbabwe Electoral Commission inoti gwaro re voters roll rayakaburitsa ndirochairo riri pamutemo zvisineyi hazvo kuti vanhu havasi kukwanisa kuona mifananidzo yavo.

Mapato ezvematongerwo enyika onyererana pasi chibvumirano chekushanda murunyararo munguva yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzichaitwa musi wa 30 Chikunguru

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nemapato mukutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG