Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoenda kuTanzania uko vanoita hurukuro nemutungamiri wenyika iyi, VaJohn Magufuli pamwe nekushanyira nzvimbo yavakadzidzira chiuto munguva yehondo yeChimurenga.
Kudhindwa kwemagwaro achashandiswa pasarudzo yemutungamiri wenyika kwoitwa mangwana nekambani yehurumende yeFidelity Printers mapato ose ari kukwikwidza achiona kudhindwa kwemapepa aya.
Nhengo yeMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, Amai Lynnette Mudehwe, avo vari kukwikwidza kuChikanga Dangamvura kwaMutare, vodya marasha zvichitevera kupihwa voters roll isina mazita evanhu
Dare redzimhosva rinoudza Zanu PF nehurumende kuti vasashandise vana vechikoro, kanawo midziyo yezvikoro munyaya dzine chekuita nemisangano yebato riri kutonga.
Munyaya yedu huru yanhasi, nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzotarisa zviri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi vari kukwikwidza musarudzo gore rino.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum