Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Chikumi 29, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Chishanu Chikumi 29, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kudhindzwa kwemagwaro ekuvhotesa kwatanga nhasi muHarare ZEC ichiti izvi zvinogona kutora masvondo matatu.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kushanya kuTanzania, pamwe nemutungamiri wenyika iyi, VaJohn Magufuli, vanonyorerana chibvumirano chekumutsiridza kudyidzana kwenyika mbiri idzi kwakanga kuripo kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980.

Mutungamiri webato reAlliance for the People’s Agenda, VaNkhosana Moyo vanosangana nevatsigiri vavo kuTsvingwe, Penhalonga kudunhu reMutasa South apo kutsvaga rutsigiro kwawedzera kumapato ose.

Vamwe vanhu vanosungwa mushure mekuratidzira kwaitika panze pechimwe chitoro muBulawayo vachinyunyuta nerusarura rwavanoti rwuri kuitwa nechitoro ichi pakupinzwa kwevanhu mabasa vachipomera chitoro ichi mhosva yekutora vanhu vanobva kuHarare chichisiya vemunharaunda.

Bato rinopikisa riri kukwikwidza musarudzo reBuild Zimbabwe rinoti mapepa aro ekutsvaga rutsigiro ari kubvarurwa muGweru nemuHarare nevanhu vasati vazivikanwa kuti ndivanaani.

Munhau dzemitambo, zvikwata zvenyika zvemitambo ye rugby ne cricket zvopinda munhandare mukupera kwesvondo zviine tarisiro yekukunda zvichitevera kusatamba zvakanaka mumitambo yazvo yadarika.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8pm, nhasi tiri kutarisa gadziriro yemapato ari kukwikwidza musarudzo, vamwe vachiti mapato anopikisa eMDC-T inotungamirirwa naVanelson Chamisa nerimwe rinotungamirirwa NaMuzvare Thokozani Khupe pamwe neZanu PF anogona kusaita zvakanaka musarudzo nekuda kwekusagadzikana kwavanoti kuri mumapato aya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG