Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica VaTaka Kapikinyu chiri kurudzira hurumende kuti imire kutyora kodzero dzevanhu isati yakurudzira vari kunze kwenyika kuti vadzoke kumusha kuzo tanga mabhizimisi. VaKapikinyu vakataura izvi mushure memusangano wakapindwa naVaMthuli Ncube muWashingtonn DC.
Gurukota rezve mari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, varikukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvitangewo mabhizimisi munyika.
Hurumende yeZimbabwe yobhadhara mari inosvika zviuru mazana mashanu kukambani yekuAmerica yeBallard Partners kuti ibatsirwe kubvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vayo nemamwe makambani neAmerica.
Meya yeguta reKwekwe amai Angeline Kasipo vanoti vari kufadzwa nezvidzidzo zvepamusoro vavari kuwana muAmerica umo vari kushanya kwevhiki rino pasi pechirongwa chiri kukokerwa ne sangano re Women’s Democracy Network.
Munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaJames Manzou vanoti Zimbabwe ine chido chekuumba hukama neAmerica neEU kuti zvirango zvayakatemerwa zvibviswe.
Munyika maita dambudziko guru sezvo michina inoshandiswa mukuderedza hukasha hwechirwere chegomarara isiri kushanda.
Nhengo yeMDC inomirira Kuwadzana mudare reparamende VaCharlton Hwende vanosungwa nemapurisa nhasi uko imwe nhengo yebato iri Muzvare Joanna Mamombe vachiendeswa kuChikurubi Remand Prison vose vachinzi vaida kupidigura hurumende.
Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vanoudza dare reparamende kuti Zimbabwe yakakwereta mari inodarika mamiriyoni mazana mapfumbamwe kuAfrican Export and Import Bank kuti itenge mafuta ekufambisa dzimotokari.
Vanhu vakawanda munyika votarisana nenzara sezvo gore rino goho richange risina kumira zvakanaka. America yabva yabvisa mamiriyoni gumi nemashanu ekushandisa mukutengera vanhu chikafu.
Botswana inoisa mamiriyoni mazana mashanu ema Pula parutivi semari yekuti makambani ayo anoda kutanga mabhizinesi muZimbabwe, awane mari yekukwereta, kwete zviri kubuda mumapepanhau zvekuti Botswana yapa Zimbabwe mari yechikwereti ichashandiswa nemakambani akazvimirira muZimbabwe.
Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vasvika munyika umo vari kutarisirwa kupinda mumisangano neChina wekuchanyorerana zvibvumirano nemumwe wavo, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutori wenhau, uye achiita zvemitambo, Samantha Kureya, uyo anozivikanwa nerekuti Gonyeti, anotorwa kumba kwake nemapurisa ndokuendwa naye kukamba yeHarare Central Police station, asi azoregedzwa achidzokera kumba kwake.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika voshoropodza mashoko emutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa ekuti vachaita kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vabviswe pachigaro zviri pamutemo kana vakasabvuma kuita nhaurirano nekukasika.
Mukuru wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, Va Rejoice Ngwenya, vanoti veruzhinji munyika vakamirira mutemo uchadzikwa nebhanga guru renyika kuitira kuti vanyatsoziva kuti mari itsva yakaturwa na Doctor John Mangudya, imari yakaita seyi chaizvo.
Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvitsa makore makumi mapfumbamwe nemashanu.
Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoparura hurongwa hwemari vanhu vakawanda vachiti zvinhu hazvina kunyatsovajekera pahurongwa hwaturwa uhu.
Dare reConstitutional Court rinoti kushandiswa kwemauto nemapurisa sevachuchisi vehurumende mumatare edzimhosva hazvisi pamutemo.
Sangano reEuropean union razivisa kuti vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe, vacharamba vari pasi pezvirango zvehupfumi zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende, kunyangwe hazvo vasisiri pachigaro.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanomisa basa vakuru vemauto vana paine tarisiro yekuti vachapiwa mabasa ekumizinda yeZimbabwe kunze kwenyika..
Huwandu hwevanhu vanonzi vakafira kumugodhi weku Battlefields musi weChipiri manheru hunonzi hunogona kudarika zana hurumende ichiti yatara tsaona iyi sensational Disaster, izvo zvichaona mhuri yemufi wega wega achipihwa chiuru chemadhora negumbeze pamunhu wega wega.
Rodhai zvimwe