Accessibility links

Breaking News

Dhora rekuAmerica Rotengwa ne2.5 RTGS Dollars muZimbabwe


Dr John Mangudya
Dr John Mangudya

Mukuru wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, Va Rejoice Ngwenya, vanoti veruzhinji munyika vakamirira mutemo uchadzikwa nebhanga guru renyika kuitira kuti vanyatsoziva kuti mari itsva yakaturwa na Doctor John Mangudya, imari yakaita seyi chaizvo.

Mashoko aVaNgwenya anotevera mashoko aburitswa neChishanu naVaMangudya ekuti mari yekunze yava kukwanisa kutengwa kumabhanga, uye dhora rekuAmerica richitengwa ne2.5 RTGS dollars.

Matanho aVaMangudya anotevera kuparura kwavakaita hurongwa hwemari nemusi weChitatu.

Vachiparura hurongwa uhu, VaMangudya vakati RTGS dollar ndiyo ichange iri mari inoshandiswa mukutenga zvinhu munyika, uye mari yekunze ichange yotengwa zviri pamutemo uye pachena mubhanga.

Asi nyanzvi munyaya dzemari dzinoti hazvisati zvajeka kuti mari yekunze iri kutaurwa iyi ichange ichibva kupi sezvo munyika mkatarisana nedambudziko remari shoma yekunze.

Kushomeka kwemari yekunze iyi kuri kupa kuti vanhu vakawanda vatadze kutora kuWestern Union nemamwe makambani anoita mabasa ekutambira mari yekunze, mari dzavanenge vatumirwa kubva kunze kwenyika nehama neshamwari dzavo.

VaNgwenya vanoti veruzhinji havasati vanyatsonzwisisa kuti zvichange zvichifamba seyi panyaya dzemari iri kunzi naVaMangudya ndiyo ichange ichishandiswa munyika.

Svondo rapera, vaimbove gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, vakayambira kuti bhanga guru renyika raironga kuuyisa mari itsva muZimbabwe.

Zimbabwe yakapedzisira kuita mari yayo chaiyo muna 2003, apo yakaunza ma bearer cheques zvichitevera kuondomoka kwehupfumi hwenyika, uye huori muhurumende.

Pakaitwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009, Zimbabwe yakatanga kushandisa dhora rekuAmerica, pamwe nedzimwe mari dzekunze senzira yekuedza kugadzirisa dambudziko rekushaya mari.

Izvi zvakaona hupfumi hwenyika huchigadzikana zvishoma.

Mushure mekupera kwehurumende yemubatanidzwa muna 2013, iyo yakaona vaive mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nevaive mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vachishanda pamwe chete, zvinhu zvakatanga kuenda kumawere munyaya dzehupfumi.

Hurumende yeZanu PF yakaunza zvakare mari ye bond note muna 2016 zvichitevera kushaikwa kwemari munyika.

Vachiparura muna 2016 hurongwa hwe bond note, VaMangudya vakati kana bond note rikakundikana, vaizosiya basa sagavhuna webhanga guru renyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG