Vanhu vakawanda munyika votarisana nenzara sezvo gore rino goho richange risina kumira zvakanaka. America yabva yabvisa mamiriyoni gumi nemashanu ekushandisa mukutengera vanhu chikafu.
Guta reHarare rotarisana nedambudziko rekushaya mvura zvichitevera kudzikira kwemvura mumadhamu anopa guta iri mvura.
Mvongamupopoto yoitika muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa panguva iyo bato iri riri kugadzirira kuita kongiresi yayo muna Chivabvu
Vagari vekwaBangure kuBuhera vofarira dhamu ravakavakirwa neUSAID ichishanda nemadzisahwira ayo.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa dambudziko rechikafu ratarisana nenyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum