Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvokurudzirwa Kunotanga Mabhisimusi Kumusha


Taka Kapikinyu
Taka Kapikinyu

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvitangewo mabhizimisi munyika.

VaNcube vakataura mashoko aya muWashington DC nezuro umo vari kushanya. Vari kuitawo misangano nevakuru muhurumende yeAmerica pamwe nevesangano reIMF neWorld Bank.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muWashington DC, VaTaka Kapikinyu, vanoti kunyangwe hazvo vakawana mukana wekunzwa kubva kuna VaNcube, vachiri kuda kuti nyaya dzehuwori nedzekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu dzitange yagadziriswa.

Vanoti zvinhu zviviri izvi zvinoodza moyo yeavo vanoda kunotanga mabhisimusi kumusha.

"Nyaya yekuchinjiwa chinjiwa kwemari inoshandisa munyika ndiyo iwe iri kundiworesa moyo sezvo ndakarasikirwa nemari yangu munguva yapfuura," VaKapikinyu vakaudza Studio 7.

Vakaenderera mberi vachiti, "Hurumende haitipe nguva yekutora mari dzedu dzisati dzamedzwa zvinova zvinotishungurudza parizvino."

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG