Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 20, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 20, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoparura hurongwa hwemari vanhu vakawanda vachiti zvinhu hazvina kunyatsovajekera pahurongwa hwaturwa uhu.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya zvinoreva hurongwa hwaturwa nhasi nebhanga guru renyika.

Ukuwo vari kunze kwenyika vanogara vakatumira mari kuZimbabwe mazuva ose vozeyawo zvaturwa naVaMangudya.

Magweta enhengo mbiri dzeMDC kwaMutare, VaJack Robert naVaDanmore Saunyama, anoendesa mauto ekwaMutare kumatare edzimhosva zvichitevera kwaanoti kupambwa kwakaitwa vaviri ava nezuro manheru.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa hurongwa hwemari hwatarwa nebhanga guru renyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG