Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 25, 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika voshoropodza mashoko emutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa ekuti vachaita kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vabviswe pachigaro zviri pamutemo kana vakasabvuma kuita nhaurirano nekukasika.

Hutungamiri hwesangano rinorwira kodzero dzevanhu reAmnesty International muZimbabwe hwopomerwa mhosva yekuita zvehuwori pamwe nekusashandisa mari yesangano iri zvakanaka.

Vagari vemudhorobha reMasvingo vari kunyunyuta pamusoro pemashandiro ekambani yemagetsi yeZESA, iyo yavari kupomera mhosva yekuvashaisa magetsi zvisina tsananguro kwenguva yakareba, izvo zvave kuita kuti vafunge kuti dambudziko rekudzimwa dzimwa kwemagetsi radzoka.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti veruzhinji vanofanirwa kuita zvepabonde vakazvidzivirira kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvepabonde, kana kuti Sexually Transmitted Diseases.

Masangano enhabvu yemunyika eZIFA nePSL, anoshoropodza mamiriro akaita nhandare dzenhabvu yepamusoro munyika, kusanganisira Rufaro Stadium, achiti hadzina kukodzera kutambirwa mitambo yenhabvu yeCastle Lager Premier Soccer League yemwaka uno.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zvakabuda kumusangano wemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, nezuro kuGweru, uyewo mashoko avo pamusoro penhaurirano dziri kuedza kuitwa munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG