Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 26, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutori wenhau, uye achiita zvemitambo, Samantha Kureya, uyo anozivikanwa nerekuti Gonyeti, anotorwa kumba kwake nemapurisa ndokuendwa naye kukamba yeHarare Central Police station, asi azoregedzwa achidzokera kumba kwake.

Hurumende yoronga kuburitsa munyika nechisimba munyori mukuru anomirira Africa musangano reInternational Trade Union Confederation, VaKwasi Adu Amankwa.

Hurumende yeAmerica inoti iri kushushikana zvikuru nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu izvo inoti zviri kusvibisa chimiro chenyika. America inoti zvakakosha kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iremekedze bumbiro remitemo yenyika.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanobuda munyika vachishanyira nyika dzmuAfrica vachidzizivisa mamiriro akaita zvinhu munyika. Panguva iyo VaChamisa vanenge vari kunze kwenyika, Engineer Elias Mudzuri ndivo vanenge vakabata chigaro chaVaChamisa.

Dambudziko redhizhiri nepeturu roramba richinetsa munyika izvo zvava kuomera vanhu vakawanda.

Vamabhazi anga achishanda neZupco vanobvisa mabhazi avo muhurongwa uhu vachiti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka

Vaimbove sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa, VaTemba Mliswa, vanoti vagari vekwaChiyadwa vanofanirwa kutaura nehururmende kuti iremekedze mutongo wedare repamusoro soro wekuti kambani yayo yeZimbabwe Consolidated Diamond Company iri kushanda zviri kunze kwemutemo kuminda yemangoda.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG