Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kukadzi 28, 2019


Botswana inoisa mamiriyoni mazana mashanu ema Pula parutivi semari yekuti makambani ayo anoda kutanga mabhizinesi muZimbabwe, awane mari yekukwereta, kwete zviri kubuda mumapepanhau zvekuti Botswana yapa Zimbabwe mari yechikwereti ichashandiswa nemakambani akazvimirira muZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya zvinoreva zvaitwa neBotswana zvichitevera musangano waitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri weBotswana.

United Nations inoparura hurongwa hwekutsvaka mari inoita mamiriyoni emadhora mazana maviri nemakumi matatu nemana yekubatsira Zimbabwe kutenga chikafu.

Vagari vekwaBangure kuBuhera vofarira dhamu ravakavakirwa neUSAID ichishanda nemadzisahwira ayo.

Vanhu vaviri vanowanikwa vakafa zvichitevera tsaona yemumugodhi kuBattlefields kuKadoma. Huwandu hwevanhu vafa hwasvika pamakumi maviri nevatanhatu.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kuititwa nevanhukadzi mukusimudzira hupenyu hwavo pamwe nenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG