Nhengo yeMDC inomirira Kuwadzana mudare reparamende VaCharlton Hwende vanosungwa nemapurisa nhasi uko imwe nhengo yebato iri Muzvare Joanna Mamombe vachiendeswa kuChikurubi Remand Prison vose vachinzi vaida kupidigura hurumende.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vowedzera zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nerimwe gore.
Zimbabwe yotatarika kuwana mari inosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu kuti igadzirise michina yekurapa chirwere chegomarara.
Murairidzi wemaWarriors Sunday Chidzambwa odoma vatambi vachatamba neCongo mumutambo weAfcon.
Muchirongwa cheLiveTalk-The Connection na 8pm tiri kutarisa nyaya yekusungwa kwenhengo dzebato reMDC nevemasangano akazvimirira.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum