Munyika maita dambudziko guru sezvo michina inoshandiswa mukuderedza hukasha hwechirwere chegomarara isiri kushanda.
Pamichina mishanu iri munyika, mumwe chete ndiwo unonzi uri kushanda mimwe haisi kushanda nekuda kwekuti hurumende inoti haina mari inosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu.
Dambudziko regomarara rezamhu nerechibereko ndiro riri kunetsa zvikuru mumadzimai. Muvanhu rume dambudziko regomarara resika rudzi rinonzi ratekeshera asi vana chiremba varikukurudzira veruzhinji kuti vaende kunowongororwa magomarara asati atekeshera.
Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera, vanoti hurumende inofanirwa kukoshesa hupenyu hwevanorarwa negomarara nekuchengetedza mari yekutenga michina inodiwa kwete kupedza mari vachifamba kunyika dzekunze vachidzoka vakabata maoko.
"Pari zvino varwere vegomarara vari kunorapwa kuSouth Africa nekuIndia isu tine nyanzvi dzinokwanisa kurapa muno asi vasina michina inodiwa izvo zvinoshoresa pasi rose."
Vaenderera mberi vachiti, " Tinoona vakuru vehurumende vachimbeya pasi rose pane kuchengetedza mari inodiwa kutenga michina inokwanisa kubatsira vazhinji," Dr Madzorera vaudza Studio 7.
Dr Madzorera vanoti pasi pehurumende yemubatanidzwa michina iyi yaivepo sezvo yakatengwa nguva iyi vachibatsirwa nedzimwe nyika izvo zvinokwanisa kupamhiwazve kana hurumende ikakwanisa kukoshesa hutano hweavo vanorwa negomarara.
Facebook Forum