Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China , Kurume 07, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yeZimbabwe yobhadhara mari inosvika zviuru mazana mashanu kukambani yekuAmerica yeBallard Partners kuti ibatsirwe kubvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vayo nemamwe makambani neAmerica.

Vanorwira kodzero dzevanhu votambira nemufaro danho reUnited Nations rekutumira vaongorori vayo kunoferefeta nyaya iri kupomerwa hurumende yekutyora kodzero dzevanhu mushure mekuratidzra kwakaitwa munyika gore mwedzi wapera.

Tichakupai zviri kubva kumatare uko nhengo dzeMDC, ARTUZ nedzimwe kubva kumasangano akazvimirira dziri kumiswa pamberi pematare dzichipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

Musangano wekudyidzana pakati peZimbabwe neSouth Africa wotanga muSouth Africa nhasi.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm nhasi, tiri kutaura nemadzimai pamberi pezuva remadzimai reInternational Women’s Day mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG